Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Vopatsanura Zanu PF Zvemhando yePamusorosoro?


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Kupinda mune zvematongerwo enyika kwemudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe, kwakonzera mutauro mukuru mubato reZanu PF pamwe nemunyika yose zvichitevera mashoko avaitaura mukushanyira kwavo matunhu ose emunyika.

Vakawanda muZanu PF vakaita saAmai Constance Shamu, vanove mudzimai wevanoona nezvekurongwa kwemisangano mubato iri, Va Webster Shamu, vanoti vari kufara chose nekupinda zvine mutsindo munyaya dzezve matongerwo enyika kwakaitwa naAmai Mugabe.

Amai Shamu vanoti Amai Mugabe ndivo chete munhu anokwanisa kubatanidza madzimai nevanhu vose mumubato ravo panguva iyo bato riri kutsemuka nepakati nepamusana pemakakatanwa.

Vamwewo vakaita saAmai Rabia Yusuf vanogara kuChitungwiza vanoti Amai Mugabe mudzimai akashinga uye vanokwanisa kutonga nyika kana vakapihwa mukana uyu.

Kunyange hazvo vanhu vakaita saAmai Yusuf vachiti Amai Mugabe munhu anokwanisa kutonga nyika kana vakapihwa mukana, vamwe vanoti mashoko akataurwa naAmai Mugabe pavaishanyira matunhu anoratidza kuti vachiri kubuda mukaka pamhino munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mumwe wevechidiki, Va Steven Tshuma, vanoti chinangwa chaAmai Mugabe handichokushandira vanhu asi kuda kuti vawane chigaro kuitira kuti vakwanise kuchengetedza hupfumi hwemhuri yavo kana VaMugabe vasisipo

Mumwe wevanhu vasiri kufara nekupinda kwaAmai Mugabe mune zvematongerwo enyika, Amai Memory Ncube, vanotiwo zviri pachena kuti VaMugabe vari kutogadzirira mudzimai wavo chigaro chepamusoro.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pachikoro cheUniversity of Zimabwe, Amai Charity Manyeruke, vanotiwo Amai Mugabe munhu ane hunyanzvi mukutungamira masangano akasiyana siyana akaita seDanhiko pamwe nemusha wenherera nechikoro chavo kuMazowe, nokudaro kutungamira madzimai muZanu PF hakufaniri kuvanetsa.

Amai Manyeruke vanotiwo Amai Mugabe vagara vari munyaya dzezvematongerwe enyika nguva dzose asi kuti iye zvino vave kuenda pane chinhanho chepamusoro.

Asi mukuru weMedia Centre, uye vari nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaEnerst Mudzengi, vanoti kunyange hazvo mabasa Amai Mugabe ku Danhiko nekuMazowe akanaka, pane zvizhinji zviri kuitwa naAmai Mugabe zvakaita sekutuka vamwe vasingawirarane navo kana vanovapikisa zvinokanganisa chimiro chavo kune veruzhinji.

Vanoti semuenzaniso, Amai Mugabe vakanyomba mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaFortune Chasi, nguva pfupi yapfuura nekuda kwekuti vaitsigira vanhu vaipikisana naAmai Mugabe kuti vasatore rimwe purazi kuMazowe.

VaMudzengi vanoti izvi nekushoropodza kuri kuita Amai Mugabe vamwe vakuru vemuZanu PF, zvikuru mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, kunoita kuti vatadze kubatanidza vanhu mubato ravo sezvo vari kutora divi pamakakatanwa ari muZanu PF.

Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti Amai Mugabe vari kuratidza godo risina kunaka kuna Amai Mujuru, zvinhu zviri kuvasiya vari parumananzombe rwemakakatanwa ari muZanu PF.

Amai Mugabe havana kana kumbotuka vekuchikwata chiri kutungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa, icho chiri kurwira masimba nechikwata chaAmai Mujuru.

Amai Mugabe vakachata nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, muna 1996 zvichitevera kufa kwemudzimai wavo, Amai Sally Mugabe, muna 1992, kunyange hazvo vakange vatobvisirwa kare pfuma yekuroorwa Amai Sally Mugabe vachiri mupenyu.

Mukuru we Youth Initiative for Democracy in Zimbabwe, Va Sydney Chisi, vanoti izvi zvinokanganisa chimiro chavo panyaya dzechitendero.

Asi VaMudzengi vanoti iyi handi nyaya ingavhiringa Amai Mugabe pane zvematongerwo enyika vachiti vazhinji vanoita zvematongerwo enyika muZimbabwe nekune dzimwe nyika vanozivikanwa nenyaya dzekuita vana nemamwe madzimai, kana kuti small houses.

Zvichitevera kupeta kwavo misangano yekushanyira matunhu kuMashonaland East nemusi weChishanu, uko Amai Mugabe vakatuka zvakare sachigaro wedunhu iri, VaRay Kaukonde.

Zanu PF iri kuita musangano wePolitiburo neChitatu uyo uchazeya zvakaitwa naAmai Mugabe sezvo paine vakawanda mubato iri vasiri kufara nemamwe mashoko avaitaura mumatunhu avaishanyira.

Amai Mugabe, avo vane vana vana, Russel Gorereza, mwana wavakaita naVaStanley Gorereza, avo vari muchiuto, Bona, Robert na Bellarmine Chatunga, vavakaita naVaMugabe, vari kutarisirwa kugadzwa zviri pamutemo semukuru wemadzimai muZanu PF pakongiresi yebato iri muna Zvita.

Vakawanda muZanu PF vamirira kuona kunodonha tsvimbo nedohwe pakongiresi zvichitevera kupatsanuka kweZanu PF uko kunonzi kwakatowedzerwa zvakanyanya nekupinda kwaAmai Mugabe munyaya dzezvematongerwo enyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG