Accessibility links

Breaking News

VaDzamara Vanoratidzira muAfrica Unity Square


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Mupepeti webepanhau re The News Leader, Va Itai Dzamara, nevamwe vari kuvatsigira vatanga neChipiri kugara pa Africa Unity Square mu Harare vakamirira mhinduro kubva kumutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vavari kuda kuti vasiye basa.

Va Dzamara vasvika pa Africa Unity Square pakatarisana nepaparamende nenguva dza 9 mangwanani eChipiri ndokugara vakamirira mhinduro yegwaro renyunyuto ravakasvitsa kuhofisi kwaVa Mugabe svondo rapera vachiti Va Mugabe vasiye basa sezvo vatadza kutungamira nyika zvakanaka.

Mushure mechinguvana, pazoitawo vanhu vanga vachisvika makumi matatu vazobatana naVa Dzamara. Rorova nhongonya, mapurisa anga akapakatira zvombo abva atanga kudzinga munhuwese anga achipinda mu Africa Unity Square kusanganisira chikwata chaVa Dzamara chiri kuzvidaidza kuti Occupy Africa Unity Square.

Asi chikwata ichi charamba kubuda mu Africa Unity Square zvazopedzisira zvaita kuti pakandiranwe makobvu nematete asi pakupedzisira Va Dzamara vanoti vazowirarana nemumuwe mukuru wemapurisa kuti vaende kukamba ye Harare Central kuti vanozeya nyaya iyi.

Pavaenda kukamba yemapurisa, Va Dzamara vaperekedzwa nechikwata chevamwe vazobatana navo mukumirira mhinduro pa Africa Unity Square.

Va Dzamara, avo vari kudawo kuti pawumbwe hurumende itsva nechimbichimbi kana Va Mugabe vasiya basa, vanoti vabvunzurudzwa rwechipiri nhasi nemapurisa maererano nehurongwa hwavo asi havana kusungwa nhasi sezvo vachiti vambenge vawirirana nemapurisa kuti vachazenge vachienda kukamba ikoko zvichitevera kushevedzwa kwavaitwa nemapurisa.

Va Dzamara vati vachadzokera mu Africa Unity Square neChitatu kudzamara Va Mugabe vapindura zviri mugwaro renyunyuto ravakavanyorera kana kuti vasiya basa.

Mumwe abatana naVa Dzamara mu Africa Unity Square mukumirira mhinduro kubva kuna Va Mugabe, avo vada kungodaidzwa nezita rokuti Va Gotomoto vaudza Studio 7 kuti vari kutsigira pfungwa yaVa Dzamara sezvo vachiti hupenyu hwawomera veruzhinji munyika.

Zvichakadai, mashoko aburitswa naVa Dzamara padandemutande re internet pa Facebook pamwe nepamafoni pa Whatsapp ari kukurudzira kuti vanhu vasiri kufara nehutongo hwaVa Mugabe vauye nehuwandu hwavo pa Africa Unity Square kubva mangwana zvichienda mberi.

Nzira iri kushandiswa naVa Dzamara kuparadzira mashoko ekuratidzira uku yakashandiswa ku Egypt neku Tunisia zvakapedzisira zvaita kuti vatungamiri venyika idzi vasiye basa.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanoti zviri kuitwa naVaDzamara zvakakosha asi havaoni vanhu vakawanda vachipinda mukuratidzira kwakadai.

Zvichakadai, hatina kukwanisa kutaura nemutauriri waVa Mugabe, Va George Charamba, kuti tinzwe kuti Va Mugabe vachipindura here sezviri kudiwa naVa Dzamara kana kuti kwete.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG