Accessibility links

Breaking News

Chicken Slice Yotsamwisa Vanotaura Ndebele


Kambani yeChicken Slice yabvisa neChipiri chidziro chayanga ichishandisa mukushambadzira chikafu chayo muBulawayo.

Izvi zvinotevera kunyunyuta kwevagari vachiti zvinyorwa zviri paBill Board zvekambani iyi zvekushambadza chikafu zvakanganiswa kuperetwa mururimi rweNdebele.

Kambani iyi yakanga yakanganisa kupereta zita rekuti “Umkhwenyana” izvo zvakapa kuti vagari vemunzvimbo iyi vakawanda vanotaura chiNdebele vanyunyute paFacebook nepa Twitter.

Asi kambani iyi yabvisa chidziro ichi ikaisa chakanyorwa nechirungu chete.

Makambani akawanda ari kushoropodzwawo nevanhu vanotaura rurimi rweNdebele achinzi anokanganisa zviperengo zvisiri izvo.

Makambani aya anosanganisira NetOne neDelta Beverages.

Asi vamwe vanotaura Shona vari kuchemawo vachiti dambudziko iri rinowanikwa zvakare muzvinyorwa zvemakambani akawanda anoshambadza zvinhu zvawo mururimi rweShona.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, uye vachidzidzisa pa Masvingo State University, VaTakavafira Zhou, vanoti kuita kwakadai kuri kuitwa nemakambani anoshandisa vanhu vasiri nyanzvi mumitauro iyi.

XS
SM
MD
LG