Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yatora Zvigaro Zvange Zviina Muzvare Mahere naVaMarkam Musarudze dzemuHarare


Fadzayi Mahere,
Fadzayi Mahere,

Zanu-PF ndiyo yakunda musarudzo dzemaby-elections dzakaitwa neMugovera kuMt Pleasant neHarare East asi dzisina kunovhotwa nevanhu vakawanda.

Izvi zvinotvera kusiya zvigaro mudare reparamende kwakaitwa naMuzvare Fadzayi Mahere naVaAllan Norman "Rusty" Markham vaive nhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vachitsutsumwa nekwavaiti kupindira kweZanu-PF nematare muhutungamiri hwebato ravo zvakapa kuti vairitungamira VeNelson Chamisa vabudewo mubato iri vachiti rapindwa naPongwe.

Asi mutauriri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa vanoramba kuti bato ravo ndiro rakakonzera kuti VaChamisa vasiye hutungamiri vachiti kusarongeka kwavo.

Bato reCCC rinotungamirwa naVaWelshman Ncube harina kusarudza akakwikwidza kunyangwe riri kudzingawo dzimwe nhengo dzedare reparamende.

Vakakunda kuHarare East ndiVaKiven Mutimbanyoka vakakunda vainge vakazvimirira Muzvare Cynthia Cheza.

KuMt Pleasant akakunda ndiMuzvare Angela Chimwedza. Nyanzvi munyaya dzesarudzo vachishanda nesangao reCentre for Peace VaSolomon Bobosibunu vaudza Studio 7 kuti vanhu vashoma ndivo vakavhota vachiti kusavhota kwevakawanda kunopa kuti vashoma vave ivo vanosarudzo vatungamiri zvisina kunaka panya yehutongo hwejekerere.

Forum

XS
SM
MD
LG