Accessibility links

Breaking News

VeChidiki kuMaruwa Vovamba Mabhizimisi Avo Kuti Vawane Chouviri


Murewa Youth
Murewa Youth

Vamwe vechidiki vekumaruwa vavakuvamba makambani avo kuti vawane kurarama kunyangwe nyika yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzezvehupfumi.

VanaSorojena vanoti kufa kwemurume hubuda ura, izvi ndizvo zvave kuitwa nevamwe vechidiki vakaita saVaSimba Kufazvinei avo vanogadzira motokari pazvitoro zvekwaJuru kwaMurewa. Vati, “Ndakatanga 2004 kugadzira motikari. mushure mekunge ndabva pakambani ndichiuya kuno kuzotanga kugadzira motikari."

Pazvitoro zvepaJuru Growth Point apa panewo mumwe wechidiki VaAndrew Kudzotsa vanoti vari kuwana chouviri nekugadzirawo matayi emotokari. VaKudzotsa vati, “Pazuva ndotogona kuwana makumi mashanu emadhora kana zana remadhora kana basa rakawandisa,” vakadaro VaKudzotsa.

VaProud Ndukula vari panzvimbo iyi yepaJuru Growth Point, vanotoumba zvimwe zvinoshandiswa pakugadzira motokari.

Asi mabasa ekugadzira motokari haasi iwo ega ari kuraramisa vechidiki sezvo paine vamwe vakaita saVaTapera Saizi vanoveza zvinonwisa mvura zvekuti vakawanda vari kuvapa mabasa.

“Zvatinowanza kugadzira midziyo yemumba, inonyanya kudiwa yakaita semibhedha nematafura,” Vakadaro VaSaizi.

Asi vanoshanda mumahofisi emakanzura ekumaruwa vakaita saMuzvare Rose Hondo vekuGoromonzi, vanochema nekusatevedzwa kwemutemo nevamwe vechidiki vanoita mabhindauko ekutsvaka raramo mumaruzevha ava.

Kunyangwe kuine vamwe vechidiki vari kuzviitira mabasa emaoko, vamwe vakaita saVaMpumelelo Sibanda vekuMwenezi mudunhu rekwa Mazetese kuMasvingo vanoti kwavari zvinhu zvakaita manyama amire nerongo sezvo vasina kana pekutangira.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaRashweat Mukundu vanoitawo zvetsvakurudzo vachishanda nesangano reInternational Media Support vati dambudziko guru rapa kuti hupfumi hunange kumawere inyaya yekusagadzirisa dambudziko remari.

“Tine kusagadzikana panyaya dzemari." Vaenderera mberi vachiti, "Saka kusagadzikana kwenyika kunoita kuti mazano nemhindupindu dzevadiki dzisabudirire,” vakadaro VaMukundu.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZimStat inoti pavanhu vanofanira kunge vari pamabasa, zvikamu makumi mana nematanhatu nezviga zvitatu kubva muzana kana kuti 46,3% ndivo vari pabasa. Asi pane vari kushanda ava, vari kuzviitira mabasa avo vanosvika zvikamu makumi mana nematatu kubva muzana nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 43,7%.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vari sachigaro wesangano reDisability Reform Coalition VaMasimba Kuchera, vati nyaya yekuti vanhu vakawanda vave kuzviitira mabasa emaoko ine dambudziko.

“Chazvakaipira kazhinji ndechekuti tiri kuona vanhu vazhinji vachiita zvimwechete zvinenge zvichiitwa nevamwe,” VaKuchera vakadaro.

Ko zvakanakirei kuti vanhu vazviitire mabasa? Tabvunza VaKuchera zvakare.

“Ndingati zvakanakira kuita mabasa emaoko zvinoreva kuti munhu anenge avakukwanisa kuzvipa nguva yekushanda nekuita zvimwe zvinhu,” VaKuchere vakadaro.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemakambani nekuitwa kwemabhizimisi munyika VaNqobizitha Ndlovhu svezvo panguva yatavafonera vanzi varimumusangano wemakurukota ehurumende.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanogara vachivimbisa mabasa kune vachidiki asi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida zvopa kuti vakawanda vagume vava kuzviitira mabasa avo emaoko.

Forum

XS
SM
MD
LG