Accessibility links

Breaking News

Sangano reDrill4Life Rotsvaga Nzvimbo Dzekuchera Zvimborani kuMash. East neWest


Mukuru werimwe sangano rakazvimirira roga reDrill4life VaSimba Maswela vanoti vari kutsvaga nzvimbo dzekumamisha kuMashonaland East neMashonaland West dzekuchera zvibhorani pachena.

VaMaswela avo vanogara muOhio muno muAmerica vanoti vanhu vakasungunuka kutaura kune nzvimbo dzisina mvura yakachena mumatunhu maviri aya.

VaMaswela vanoti vari mumatunhu maviri aya vanokwanisa kuendawo padandemutande ravo reFacebook papeji yakanzi Drill4life kuti vape zvikumbiro zvavo ikoko.

Drill4Life
Drill4Life

"Isu tiri kuronga kuchera zvibhorani zvino darika gumi kuMashonaland East neMashonaland Central munzvimbo ine vanhu vasina mvura yakachena," VaMaswela vaudza Studio7.

Vaenderera mberi vachiti, "Takabatana neimwe kambani ine zvikwanisiro zvekuti tichere migodhi inenge ichishandisa michina yechizvino zvino," VaMaswela vaenderera mberi.

Drill4Life
Drill4Life

VaMaswela vanoti shuwiro yavo ndeyekuti nzvimbo dziri kumaruwa dziwane mvura yakachena pasina kuita zvematongerwo enyika.

Vati, "Isu tinoshanda tiri sangano rakazvimirira hatina mapato atinomirira saka tinoda kuti vari kumaruwa vari kutsvaga rubatsiro rwemvura yakachena vatitumire chikumbiro padandemutande reFacebook papeji yedu inonzi Drill4Life uye paWhatsApp nhamba dzinoti +16146784393.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG