Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshushikana neMashoko eZanu-PF eKuti Ichange Iri Muhurongwa hweKugovera Vanhu Chikafu.


 Chris Mutsvangwa
Chris Mutsvangwa

Zvimwe zvizvarwa zve Zimbabwe zviri kuratidza kushushikana zvikuru nemashoko ataurwa nhasi nemutauriri webato reZANU-PF, VaChris Mutsvangwa, ekuti bato ravo richatungamira chirongwa chekugovera vanhu chikafu.

VaMutsvangwa vaudza vatori venhau muHarare kuti ZANU PF ichaona kuti basa rekupa vanhu chikafu raitwa zvakanaka asi hazvirevi kuti vachati vemapato anopikisa vanyimwe chikafu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende yakazivisawo kuti masadunhu, madzishe nemasabhuku vachatungamirawo hurongwa hwekunyoresa vanhu zvave kutyirwa nevamwe kuti zvichasiya vakawanda vanopikisa vasina chekudya.

Vehurumende nebato reZanu-PF vane nhoroondo yekupomerwa mhosva yekusandisa chikafu munyaya dzezvematongerwo enyika. Maitiro aya akambopa kuti sangano rinopa rubatsiro reUnited States Agency for International Development vasvitse mashoko kune vaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe.

Sangano rinotungamira zvirongwa zvekupa vanhu chikafu reWorld Food Programme rinoti hariwirirani nekutichikafu chishandiswe sechombo chezvematongerwo enyika

VaMnangagwa vakazivisa kuti nzara munyika yasvika padanho rekuti hurumende yave kuda rubatsiro kubva kumasangano ekunze kana kuti national disaster.

Vakati Zimbabwe iri kuda rubatsiro rwemari inosvika mabhiriyoni maviri kana kuti US$2 billion. Kusanaya zvakanaka kwemvura ndiko kuri kupa kuti vakawande vanonge svosve nemuromo.

Vaimbove mukuru we sangano rinobatsira nechikafu reChristian Care Reverene Forbes Matonga vaudza Studio 7 kuti basa rehurumende rinofanirwa kusiiwa mumaoko ehurumende kuti vese vari mudambudziko renzara vawane ruyamuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG