Accessibility links

Breaking News

Pove neMaonero Akasiyana paNyaya yeKuti Murairidzi weChikwata cheNhabvu cheNyika Obva Kupi?


Anga akafanobata basa rekurairidza ma Warrior, Norman Mapeza.
Anga akafanobata basa rekurairidza ma Warrior, Norman Mapeza.

Mhuri yenhabvu muZimbabwe iri kukakavadzana kuti angakodzera kurairidza chikwata chenhabvu chevanhurume chemaWarriors pari zvino angave murairidzi wemunyika here kana kuti wemhiri kwemakungwa.

Izvi zviri kuuya panguva iyo vari kufanotungamira nhabvu yemunyika, veZIFA Normalisation Committee vatarisana nekupa basa murairidzi achange ari panyanga pamitambo miviri ye2026 World Cup neLesotho neSouth Africa.

Chikwata chenyika ichi hachina murairidzi pari zvino zvichitevera kusiya basa kwaBaltermar Brito muna Zvita gore rapera mushure memitambo miviri iyo chakaita mangange neRwanda neNigeria.

Norman Mapeza, uyo mwedzi wapera aive panyanga pamitambo yeFour Nations Tournament kuMalawi, aive apihwa basa rekutungamira chikwata ichi pamakundano iwayo chete ayo aisanganisirawo Kenya, Malawi, neZambia.

Kusati kwauya Brito naMapeza, Zimbabwe yakamborairidzwa naZdravko Lugorusic uyo anonzi nevakawanda akawisira chikwata ichi pasi zvinotyisa.

VaLincoln Mutasa
VaLincoln Mutasa

Mukuru weZifa Normalisation Committee, VaLincoln Mutasa, vanoti nyaya yemurairidzi inyaya yavari kugadzirisa vachiwedzera ivo kuti vari kutaura neavo vane ruzivo rwakadzama nezvazvo kuti vaone kuti vofambisa sei zvinhu zvavo.

Asi mubvunzo kwese kwese ndewekuti Zimbabwe yopa basa ani? Murairidzi wemuno kana kuti wemhiri kwemakungwa mumitambo yayatarisana nayo yeAFCON 2025 neWorld Cup 2026.

Kune vamwe vanoti murairidzi wemuno haana ruzivo rwakadzama pamitambo yakaita seyeWorld Cup uyezve anosarudza vatambi achitarisa kuti vabuda mumba maani, kwete nekugona kwavo.

Asi vari kutsigira murairi wemunyika vanoti Zimbabwe inoda varairidzi vakaita saBruce Grobbelaar, Kaitano Tembo, Peter Ndlovu, George Mbwando, Kennedy Chihuri naBenjani Mwaruwari, avo vakatamba nhabvu yemhando yepamusoro mhiri kwemakungwa.

Vamwewo vakaita semutsigiri weDynamos, VaAdam Mukwasi, vanoti murairidzi wemuno ndiye chaiye nekuti anoziva vatambi vemuno uyezve anoziva mamiriro akaita zvemari muZifa nemuZimbabwe senyika uye nhoroondo yenhabvu munyika inoratidza kuti Zimbabwe yakashura mare pese payairairidzwa nevarairidzi vemunyika.

Mutsigiri weDynamos VaAdam Mukwasi.
Mutsigiri weDynamos VaAdam Mukwasi.

"Tikatarisa kwatakabva varairidzi vemuno ndivo vakatisvitsa kuAfcon. Zvekunze izvi zvinotinetsa mangwana. Ngatitoreyi wemuno tione kuti tinosvika kupi," vanodaro vaMukwasi.

Maneja wechikwata cheCaps United, VaShakespear Chinogwenya, vanoti dai zvaiita Zimbabwe yachengeta Norman Mapeza naTakesure Chiragwi sezvo vajairana nevatambi.

"Zviri zvekuenderera mberi ngatipei Norman naiye Teki nguva ino. Kuedza vamwe panguva ino hazvifambe. Ngativape nguva kuti vaite basa. Ndinoziva vanozviota," vanodaro VaChinogwenya.

Asi nhengo yeWarriors Friends Club VaThomas Machivenyika vanoti maWarriors ari kuda murairidzi anenge ari pabasa mazuva ese kwete anoti nhasi ari kumaWarriors mangwana ari kuchikwata chake chemuPSL.

Muongorori wemutambo wenhabvu,VaKudzai Bere, vanoti murairidzi uyu anofanira kuve ari wekunze kwenyika.

"Maonero angu ndeekuti murairidzi wemuno ane rusaruro pakushevedza vatambi mukamba asingatarise kugona kwavo. Asi wekunze anotarisa tarenda kwete kuti ndinoziva ani," vanodaro VaBere.

Vamwe vari kuti basa ngaripiwe kuna Bruce Grobbelaar.
Vamwe vari kuti basa ngaripiwe kuna Bruce Grobbelaar.

Makore apfuura Zimbabwe yakabudirira kuenda kuAFCON ichirairidzwa nevarairidzi vemunnyika Sunday Chidzambwa, Charles Mhlauri naKalisto Pasuwa.

Asi veruzhinji vanoti Zimbabwe yakazivikanwa zvakanyanya munhabvu apo yairairidzwa namushakabvu Reinhard Fabisch wekuGermany, kunyange hazvo isina kuenda kuWorld Cup kana kuAFCON.

Zvichakadaro, mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yatambwa nhasi munyika yapera yakadai; Ngezi 1 Highlanders 2, Chicken Inn 2 Greenfuel 0, Herentals 1 Manica Diamonds 2, Bikita Minerals 2 Bulawayo Chiefs 0.

Mangwana Svondo mitambo iri kuenderera mberi pakati peSimba Bhora neDynamos kuShamva, Caps United vs ZPC Kariba, Arenel Movers vs FC Platinum, Chegutu Pirates vs Hwange, kuchitiwo Tel One vs Yadah.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG