Accessibility links

Breaking News

Bazi reZvemari Rokurudzira Mapazi eHurumende neMakomisheni Kushandisa neKutambira Mari Itsva yeZiG


Mari itsva yeZiG.
Mari itsva yeZiG.

Bazi rezvemari riri kukurudzira mapazi ose ehurumende kuti atambire nekushandisa mari itsva yemaZiG iyo yakaparurwa svondo rapera.

Mugwaro ravakanyora nemusi weChina kuvanyori vemapazi ose ehurumende, hofisi yemutungamiri wenyika, makomisheni ose pamwe nemahofisi ose ari pasi pehurumende, munyori mukuru mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, vakati kunze kwekunge paine mutemo unosungira kubhadhariswa kwemari nemitero mumadhora ekuAmerica, zvese zvichabhadharwa zvinofanirwa kubhadharwa zviri mumari dzose dziri kushanda munyika pasina kumanikidza kubhadharwa mumadhora ekuAmerica chete.

Vakatiwo vakuru vemapazi ehurumende ose vanofanirwa kuzivisa mapoka pamwe nemakanzuru zviri pasi pemapazi avo kuti arambe achitambira mari yekare yema Zimbabwe Dollar sezvo ichiri kushanda zviri pamutemo kusvika musi wa 30 mwedzi uno.

Izvi zviri kuuya paine mashoko ekuti ZiG yatotanga kushaya simba pamusika mutema, apo panonzi dhora rekuAmerica rimwechete riri kutengwa nema ZiG ari pakati pegumi nemasere nekumakumi maviri anoraudzira.

Asi Gavhuna mutsva reR-B-Z, VaJohn Mushayavanhu, vakavimbisa zvavo kuti vari kuzoparadza musika mutema uyu.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDevry University mudunhu reOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti havaoni paine chinobuda kubva mudanho rebazi rezvemari iri nekuda kwekuti hurumende haina vanhu vanozotevera vachiona kuti mitemo yainenge yadzika iri kuteverwa nemazvo here?

Vakawanda vanoti kuti mari itsva iyi itambirwe neveruzhinji, hurumende inofanirwa kutanga iyo kuitambira kumahofisi anotorerwa magwaro ekufambisa nemumwe mose munobhadharwa mitero.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG