Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kurambidza zveMatongerwo eNyika muKugoverwa kweChikafu


Vamwe vanoti chikafu gachipiwe kune vose vanokodzera.
Vamwe vanoti chikafu gachipiwe kune vose vanokodzera.

Nyaya yekugoverwa kwechikafu kune vanoda rubatsiro pachishandiswa zvematongerwo enyika inonzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nevanopikisa ichatonyanya kuwedzera gore rino sezvo nyika yakatarisana nenzara inotyisa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChitatu vakatotara nzara iyi sedambudziko rinoda rubatsiro rwechimbichimbi, kana kuti National Disaster, vakakumbira nyika dzekunze, masangano anopa rubatsiro pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti vatambanudze maoko vabatsire.

VaMnangagwa vakavimbisa zvakare kuti hapana munhu achafa nenzara sezvo chikafu ichi chichagoverwa kumunhu wese anokodzera kupiwa.

Asi nyanzvi munyaya dzekugoverwa kwechikafu uye vakambotungamira sangano reChristian Care, VaValentine Ziswa, vanoti mashoko aVaMnangagwa aya kungotaura chete sezvo muromo usingazarirwi nerwizi.

VaZiswa vanoti zvinozivikanwa nyika yose kuti Zanu PF rinoshandisa chikafu chinofanirwa kunge chichigoverwa pachena nehurumende pamwe nemasangano anopa rubatsiro sechombo chezvematongerwo enyika mumatunhu akawanda.

Asi nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanoti nyika inomira neshoko remutungamiri wenyika rekuti hapana anofanirwa kusiiwa kunze panyaya dzechikafu, zvisineyi kuti chabva kuhurumende here kana kumasangano anopa rubatsiro.

VaMandaza vanoti vose vanenge vanyimwa chikafu pachishandiswa zvematongerwo enyika vanofanirwa kumhan'gara zviitiko izvi kumapurisa.

Huwandu hwevanhu vachada rubatsiro hunonzi nemasangano anopoa rubatsiro pamwe nevanoongorora nyaya dzechikafu huchatowedzera sezvo nyika isina kukohwa zvakanaka nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze kwakakonzerwa ne El-Nino.

World Food Program yazivisa kuti yapetawo chirongwa chayo chekubatsira vanoshaya, cheLean Season Assistance, chegore rino mumatunhu mana anoti Buhera, Chivi, Mangwe neMwenezi.

Sangano iri rinoti rakabatsira vanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu mumatunhu aya.

Asi hurumende inoti iri kubatsirawo nechikafu vanhu vari mumatunhu makumi mashanu nematanhatu, uye pane ongororo iri kuitwa yekuona huwandu hwevanhu vanoda rubatsiro nyika yose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG