Accessibility links

Breaking News

Madzimai eKumaruwa Anoti Akasaririra Mune Zvakawanda Kana zvichienzaniswa neMadzimai eMumaguta neMadhorobha 


Madzimai ekumaruwa anoti ane zvimhingamipinyi zvakawanda kudarika ekumadhorobha.
Madzimai ekumaruwa anoti ane zvimhingamipinyi zvakawanda kudarika ekumadhorobha.


Mamwe madzimai ekumaruwa anoti akasaririra kumashure zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika, zvehupfumi pamwe nezvemagariro kana zvichienzaniswa nemadzimai anogara mumaguta nemadhorobha.

Madzimai aya anoti nekuda kwekushaya zvikwanisiro, mari, mitemo yemudzimba pamwe nemikana, vakawanda vavo havakwanise kuzadzisa zvishuwo zvavo muhupenyu.

Mumwe aive nechisuwo chekukwikwidza pachigaro chekuve mumiriri weMakonde mudare reparamende, Amai Edina Muswere, vanoti zvakakona n’anga murapwa achida sezvo vainge vasina zvikwanisiro uye murume wavo akavarambidza achiti zvematongerwo enyika zvinoitwa nemadzimai anoita gumbo mumba gumbo panze.

“Kuita zvematongerwo enyika zvinotorwa semukadzi asina kuvimbika” Amai Muswere vanotsanangura.

Mumwe mudzimai wekuChikomba mudunhu reMashonaland East, Amai Weslyene Mugadza, vanoti tsika nemagariro zvinorambidza mudzimai kuti ave nezvigaro zvepamusoro, mungave munyaya dzezvematongerwo enyika kana munharaunda dzavagere zvekuti madzimai akawanda anotadziswa kuita madzimambo kana kuita maSabhuku.

“Tsika nemagariro zvinotadzisa madzimai kutungamira munyaya dzezvematongerwo enyika kana kuita maSabhuku kana madziMambo “ Amai Mugadza.

Amai Mary Mliswa-Chikoka.
Amai Mary Mliswa-Chikoka.

Sachigaro wekanzuru yeHurungwe kuMashonaland West uye vari kanzura wewadhi 23, Amai Mary Mliswa-Chikoka vebato reZanu PF, vanoti mamwe madzimai anotadza kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika nekuda kwetsika nemagariro zvinoti nzvimbo yemunhukadzi kugara pamba achikudza mhuri.

“Madzimai anotadza kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika nekuda kwetsika dzechivanhu dzaiti basa remukadzi kuzvara nekuchengeta vana”Amai Mliswa vanotsanangura.

Nyanzvi munyaya dzezvesarudzo uye vakamboshanda neZimbabwe Election Support Network -ZESN, pamwe neElection Resource Centre-ERC, VaSolomon Bobosibunu, vanoti kushaya mari, mikana mishoma, dzidzo shoma, mhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nehutungamiri hwevanhurume kana kuti Patriarch ndizvo zvimwe zvezvinhu zvinoderedza huwandu hwemadzimai anopinda munyaya dzezvematongerwo enyika, dzehupfumi kana dzemagariro.

“Chimwe chinhu ndechekuti kumamisha kunotungamirwa nevarume muzvinhu zvakawanda nekudaro madzimai vozviona sevasingagone kutungamira” VaBobosibunu vanotsanangura.

VaBobosibunu vanoti mutemo unoti madzimai zvikamu makumi matatu kubva muzana, kana kuti 30 percent, ndiwo anofanirwa kunge ari muzvinzvimbo unofanirwa kuvandudzwa pazvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50 percent.

Mudzimai ari kumaruwa eLions Den kuMashonaland West.
Mudzimai ari kumaruwa eLions Den kuMashonaland West.

Muparamende nemumakanzuru mune madzimai mashoma akasarudzwa zvekuti mudunhu reMashonaland West pazvigaro makumi maviri nezviviri zvemuparamende, madzimai matatu chete ndivo vakavhoterwa vamwe vakatozodomwa pamutemo unopihwa zvigaro zvemadzimai pachena. Mumakanzuru zvimwe chete zvekuti mukanzuru yeMhondoro-Ngezi pama kanzura gumi nevatanhatu kana kuti 16 mumwechete ndiye akavhoterwa.

Mumaguta nemumadhorobha mune matambudzikowo amo kumadzimai akawanda.

Mutevedzeri wameya weChinhoyi, Amai Chipo Mlotswa vanoti mumadhorobha mune matambudziko ekuti mhirizhonga yakawandisa, kushaya rutsigiro kumhuri yemurume uye kunyorwa zvakaipa pamadandemutande.

“Mumadhorobha nemumaguta vakadzi tinedambudziko remhirizhonga uye kushaya tsigiro kuhama dzemurume kana wakaroorwa”Amai Mlotswa vanozivisa.

Mambo Ngezi vedunhu reMhondoro-Ngezi uye vari mukuru wemadziMambo mudunhu reMashonaland West, VaPeter Pasipamire, vanobvuma kuti madzimai ainge vasinga tungamirire varume nekuda kwetsika nemagariro asi vanoti iye zvino zvashanduka. Vanoti madzimai ave kugadzwa kuve masabhuku kana madzimambo, kunyange zvichiri zvishoma kumatunhu eMashonaland West, Mashonaland Central, Mashonaland East neMidlands kana zvichienzaniswa nematunhu eMatebeleland.

“Hongu kare madzimai vainge vasina mikana sevarume asi iye zvino vave nayo sezvo vave kugadzwa kuita maSabhuku nemadzimambo kunyange zviri zvishoma asi zvavekuitika”Mambo Ngezi vanotsanangura.

Mambo Ngezi vanoti chimwe chashanduka zviri pachena kupihwa nhaka yababa kwave kuitwa kuvanasikana zvichienzaniswa nakare painzi mwanasikana haapiwe nhaka sezvo vachazaroorwa vachienda kwavanenge varoorwa.

Vanasikana vanonzi vave kupiwa nhaka yababa vavo, zvaisaitika kare.
Vanasikana vanonzi vave kupiwa nhaka yababa vavo, zvaisaitika kare.

Kunyange paine matanho akawanda ari kutorwa ekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, vamwe vanoti mamwe makereke achiri kurambidza vanhukadzi kuita mabasa mumakereke akaita sekuparidza kana kutungamirira kupihwa kwechirairo, sekutaura kwaAmai Vaida Muchenje, avo vanopinda kereke yeRoma.

“Mamwe makereke akaita seyangu yeRoma anofanirwa kupa madzimai mukana wekuparidza nekutungamirira misa “Amai Muchenje vanodemba.

Hurumende iri kuedza nepose painogona kuona kuti mikana yevanhurume nevanhukadzi yaenzaniswa kuburikdza nekuvandudza mitemo yakawanda.

Mamwe matanho ehurumende ekuedza kuenzanisa mikana mutemo wekuti madzimai apinde mukanzuru kana muparamende pasi pezvigaro zvisinga kwikwidzwe kana kuti quota system.

Pane mutemewo wekuti mwanasikana akaita pamuviri ari kuchikoro anobvumirwa kudzokera kunopedzisa zvidzidzo zvake mushure mekusununguka kana achida, uyewo kuroora musikana asati asvika makore gumi nemasere yave mhosva.

Munyaya dzezvehupfumi, hurumende yakavhura bhangi rinoyamura madzimai nekuvapa zvikwereti reWomen’s Bank.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG