Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vosiiswa Basa kuRBZ Nguva Yange Yatarwa naVaMnangagwa Isati Yakwana


Gavhuna mutsva weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mushayavanhu vatanga basa nhasi vachitora kubva kuna VaJohn Mangudya. VaMangudya vange vambonzi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachasiya basa musi wa 30 Kubvumbi asi vazonzi vasiye nhasi.

VaMushayabasa vari kutanga basa panguva iyo dhora remunyika riri kushaya simba zvakanyanya.

Vamwe muHarare vanoti dhora rimwe chete remuAmerica rave kutenga madhora emunyika zviuru makumi mana nemaviri kana kuti US $1 to ZWL42,000.

Mumashoko kuvatori venhau pavakadoma VaMushayavanhu, VaMnangagwa vakati vane ruzivo rwakadzama munyaya dzemabhanga sezvo vakashanda basa iri kwemakore makumi matatu. Vakashanda nebhanga reFBC Bank neStandard Chartered Bank.

Nyanzvi munyaya dzvezvehupfumi vari chipangamazano cheReserve Bank of Zimbabwe VaPersistence Gwanyanya vati vanoona VaMushayavanhu vachidzikamisa dhora remunyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nekambani yeUnderhill Cooperate Solutions Doctor Eddie Mahembe vati zvichanetsa kugadzirisa zvinhu munyaya dzemari kana pasina kuzvipira kwezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG