Accessibility links

Breaking News

Kupinda Musarudzo kwaVaKennedy Kwotemesa Musoro VaTrump


VaRobert F. Kennedy Jr.
VaRobert F. Kennedy Jr.

Kukanda nguwani mudariro kwaRobert F. Kennedy achipinda musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi vakazvimirira kwave kukonzera kugeda geda kwemeno mubato remaDemocrats.

Vebato remaDemocrats nehama dzaVaKennedy dziri kutsigira mutungamiri wenyika VaJoe Biden vari kutyira kuti vachaita kuti vaimbova mutungamiri wenyika vari kubato remaRepublicans VaDonal Trump vakunde.

VaKennedy vanova hama yevaimbova mutungamiri wenyika VaJohn Kennedy vari kufungidzirwa kuti vachatora mamwe mavhoti emaDemocrats kubva kunaVaBiden.

VaRobert F. Kennedy Jr. nemudzimai wavo Amai Cherl Hines
VaRobert F. Kennedy Jr. nemudzimai wavo Amai Cherl Hines

VaKennedy vakadomawo Amai Nicole Shanahan, gweta uye mudzimai wemumwe akatanga kambani yeGoogle, VaSegey Brin, semutevedzeri wavo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika VaTim Muringai, vanoshanda nesangano reConcerned Citizens Zimbabwe, vaudza Studio 7 kuti mujaho uri pakati paVaTrump naVaBiden asi VaKennedy vanogona kuvashaisa hope sezvo vaine zita kare nekuda kwemhuri yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG