Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Oshoropodzwa neNyaya yeKusakwikwidza Musarudzo dzeBy-Election


Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.
Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti hazvioni mapato anopikisa emunyika achibudirira kubvisa hutongo hweZanu PF zvichitevera kusakwikwida kwaari kuita musarudzo dziri kuitwa munyika.

Kunyange hazvo mapato aya achipomera bato riri kutonga reZanu PF mhosva yekutadza kutonga, mapato anopikisa aya anonzi haasi kuzoshandisa mukana unenge wamuka kuti agadzirise zvaanoti zviri kutadzwa neZanu PF.

Vanopikisa vari mumapato ezvematongerwo enyika havana kuisa nhengo dzavo kuti dzikwikwise sezvakaonekwa svondo rino apo mapato aya akakundikana kupinda musarudzo dzeBy-Election muHarare East neMount Pleasant.

Mapato anopikisa mazhinji haana zvakare kupinda mune dzimwe sarudzo dzema By-Election dzakadarika idzo dzakapindwa neZanu PF nenhengo dzebato reCCC nevamwe vaimbove nhengo dzebato rinopikisa iri vakapinda vakazvimirira.

Asi izvi zvakapa kuti Zanu PF itore zvigaro zvizhinji zvakasiiwa nenhengo dzeCCC dzakadzingwa mubato iri nevari kuzviti ndivo vakafanobata matomu mubato iri, VaSengezo Tshabangu, izvo zvakapa bato riri kutonga iri mukana wekuve nenhengo dzakawandisa muparamende.

Izvi zvakapawo Zanu PF mukana wekuita madiro aJojina pakuchinja nekuvandudza mitemo zvisina dambudziko.

Iye zvino paramende ine hurongwa hwekuvandudza mutemo une chekuita nesarudzo kuitira kuti kunyoreswa kwevanhu kubve kuZimbabwe Electoral Commission kudzoserwe zvakare kuhofisi yamabharani mukuru, kana kuti Registrar-General, uye kuti kuve nekomisheni inoona nezvekutarwa kwematunhu yakazvimirira.

Zvose izvi zvapa vamwe vanoongorora zvematongero enyika kuti vati havaoni vanopikisa vachikwanisa kuita zvichangobva kuitika muSenegal, uko mutungamiri webato rinopikisa, VaBassirou Diomaye Faye, avo vane makore makumi mana nemana zvine mutsindo.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaChengetai Guta, vanoti chiri kuita kuti bato ravo risapinda musarudzo inyaya yekuti mafambisiro esarudzo munyika haana kujeka vachiti dzine kubiridzirwa.

VaGuta vanoti kusvika izvi pamwe nenyaya yekutarwa kwematunhu zvagadziriswa, bato ravo harisi kuzove nechekuita nesarudzo.

Asi vanoti vacharwa zvakasimba kumisa kuvandudzwa kwemutemo une chekuita nesarudzo.

Ukuwo, nhengo yeZanu PF vachiongorora zvamatongerwo enyika, VaJones Musara, vanoti mapato anopikisa munyika ndiwo asika kurongeka, izvo zvavanoti zviri kupa bato ravo mukana wekuramba vari mumasimba.

VaMusara vanoramba mashoko ekuti bato ravo rinobira sarudzo vachiti dai vaibira dai nhengo dzeMDC dzakawanda dzisina kumbobvira dzakunda kubva zvakavambwa bato iri.

Panyaya yekuda kuendeswa kwebasa rekunyoresa vavhoti kuhofisi yamabharani mukuru, VaMusara vanoti hurumende iri kungoita zvido zvevanopikisa, avo vakanyunyuta vachiti ZEC haisi kukwanisa kubata gwaro revavhoti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG