Accessibility links

Breaking News

ConCourt Inoti Mapurisa Ngaasasunge Madzimai Anofungidzirwa Kuti Ipfambi Pasina Humbowo


Zimbabwe republic Police
Zimbabwe republic Police

Nguva yemapurisa yekuita pamadiro vachisunga madzimai mumigwagwa achipomerwa mhosva yekuita zvehupfambi yasvika kwamvura yacheka makumbo.

Dare repamusoro soro reConstitutional Court ratura mutongo neChitatu unoti hazvisi pamutemo kuti mapurisa anouya nemambure osunga madzimai ose anenge achizvifambira havo usiku.

Dare rati izvi zvinotyora kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo yenyika.

Dare iri rati panosungwa mudzimai anenge achinzi ari kuita zvehupfambi, panodawo munhurume wacho anenge achiti mukadzi uyu akumbira kuita zvepabonde achizopihwa mari.

Gweta remadzimai masere akaenda kumatare, VaDavid Hofisi, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti mutongo uyu unoreva kuti mapurisa haana masimba ekusunga munhukadzi vachiita zvekufungidzira, asi kuti asunge munhu panenge paine humbowo hunoratidza mhosva inenge yaperwa.

Hurukuro naVaDavid Hofisi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pange pava nemakore akawanda mapurisa achiita zvirongwa zvekusunga madzimai anofungidzirwa kuti ari kuita zvehupfambi.

Kubva kuma1980 nyika ichangoona kuzvitonga, mapurisa akaita zvirongwa zvaidaidzwa kuti Operation Chinyavada, Operation Chipo Chiroorwa, Operation Chengetedza Hunhu, Operation Dyira Bonus Kumba, Operation Zvanyanya, nezvimwe zvange zvichishorwa nevanorwira kodzero dzevanhukadzi vachiti zvinombunyikidza kodzero dzavo.

XS
SM
MD
LG