Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vosimudzira Chibhakera Chavo kuNgochani neVanoita Mhirizhonga


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakurudzira vana veZimbabwe kugara murunyararo vachiti vemapato anopikisa havasi kuzoregwa vachikonzera mhirizhonga munyika.

Vachitaura kumhomho yevanhu vange vakaungana pamhemberero dzemakore makumi matatu nemana Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere kunhandare yeNational Sport Stadium, VaMugabe vati vanhu vane mvumo yekuratidzira murunyararo asi vanoda kuita zvemhirizhonga vachazvionera pamhuno sefodya.

VaMugabe vati kunyange hazvo chibhakera chavo chiri chidiki, chinorema matani makumi mapfumbamwe zvokuti hapana anomira akarohwa nacho.

Mashoko aVaMugabe anotevera mashoko emutauriri wevechidiki mubato reMDC inotungamirira naVaMorgan Tsvangirai, VaClifford Hlatshwayo, pamwe naVaJob Sikhala, ekuti nhengo dzebato ravo dzichapinda mumigwagwa dzichitsutumwa nehutongo hwaVaMugabe, uho huri kutadza kupa vanhu mabasa pamwe nekukonzera nhamo kuruzhinji rweZimbabwe.

Vaviri ava vakataura mashoko aya svondo rino. VaMugabe vati vanhu vanobvumirwa kuratidzira murunyararo uye kana vachinge vapihwa mvumo nemapurisa.

VaMugabe, avo vabata bata nyaya dzakawanda, vayambira vamiririri vedzimwe nyika vanoita zvechingochani kana kukuridzira zvechingochani kuti vachatandaniswa munyika kana vakabatwa vachiita zvechingochani.

VaMugabe, avo vanozivikanwa nekuvenga ngochani pasi rese, vatiwo havasi kuzofa vakabvumidzwa mabasa echingochani munyika uye vati chingochani itsika yakashata zvikuru inotwa kunyika dzekuEurope.

Vatiwo hurumende yavo yakazvipira kuramba ichirwisana neHIV/AIDS asi vakurudzira veruzhinji kuti vazvibate sezvo chirwere ichi ichasati chave kurapika.

Panyaya dzehupfumi, VaMugabe vakurudzira vanhu vese munyika kuti vatsigire chirongwa chehurumende cheZimbabwe Agenda for Socio-Economic Transform, ZIMASET, vachiti vanovimba kuti chirongwa ichi chichasimudzira hupfumi hwenyika.

Vatiwo maindasitiri haasi kushanda zvakanaka uye hurumende iri kutsvaga mari yekumutsiridza maindasitiri aya kuitira kuti achitange kushanda zvakanaka.

Vatiwo hurumende iri kutorawo matanho akawanda chose apo iri kuedza kumutsiridza hupfumi hwenyika.

Mamwe ematanho aya vati ndeekugadzirisa mabasa ekuchera zvicherwa munyika kuitira kuti zviitwe zvakachena uye kuti hurumende ikwanise kuwana mari yakawanda kubva kuzvicherwa zvenyika.

Pari zvino pane kuchema chema kubva kubazi rezvemari kuti hurumende haisi kuwana mari yakawanda kubva muzvicherwa zvikuru sei kubva kumangoda ekwaMarange.

Mhemberero dzaitwa mwedzi misere VaMugabe vakunda musarudzo dzaikaitwa muna Chikunguru gore rapfuura idzo dzinonzi neMDC-T nemamwe masangano dzakabirirwa zvemhando yepamusoro soro.

VaMugabe ndivo mutungamiri mumwe chete atonga Zimbabwe kubva muna 1980 apo nyika yakawana kuzvitonga.
XS
SM
MD
LG